Joshua 8:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋeAi ʋakati ʋaciceuka, ʋonei ʋutsi bgeguta bgucikwira kuɗeŋga, ʋakashaiwa kwaʋaŋgatizira kupi nokupi; naʋanhu ʋakaŋga ʋatizira kurenje ʋakadzoka kuzorwa naʋaiʋateʋera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume veAi vakacheuka vakaona utsi hweguta huchikwira kudenga, asi vakashayiwa pokupukunyuka napo kumativi ose, nokuti vaIsraeri vakanga vachitizira kugwenga vakatendeukira vaivatevera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino varume vokuAi vakati cheu, vakaona guta changova chamupwititi utsi, huchingotogoka mudenga. Zvakavapedza simba rokuti vatizire uku, kana uku nokuti vaya vokutizira kurenje vakadzoka kuzorwisa vaivadzingirira vacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume veAi vakati vachicheuka, onei utsi hweguta huchikwira kudenga, vakashaiwa kwavangatizira kupi nokupi; navanhu vakanga vatizira kurenje vakadzoka kuzorwa navaivatevera.
Shona 2009?
Zvino varume veAi vakati vachicheuka, onei utsi bweguta huchikwira kudenga, vakashaiwa kwavangatizira kupi nokupi; navanhu vakanga vatizira kurenje vakadzoka kuzorwa navaivatevera.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume veAi vakati vachicheuka, onei utsi hweguta huchikwira kudenga, vakashaiwa kwavangatizira kupi nokupi; navanhu vakanga vatizira kurenje vakadzoka kuzorwa navaivatevera.