Joshua 8:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Joshua naʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋaʋona kuti ʋaʋandiri ʋakunda guta, ʋuye kuti ʋutsi bgeguta bgokwira kuɗeŋga, ʋakadzoka ɀe kuzoʋuraya ʋarume ʋeAi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joshua navaIsraeri vose pavakaona kuti vavandiri vakanga vatora guta uye utsi hwakanga huchikwira kubva muguta, vakatendeuka vakarwisa varume veAi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti Joshuwa navaIsiraeri vose vaona kuti guta riya rava mumaoko avaya vakanga vakahwandira, uye kuti guta rakanga rangova utsi chete mudenga, vakabva vadzoka kuzouraya varwi veAi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Joshua navaIsiraeri vose vakati vaona kuti vavandiri vakunda guta, uye kuti utsi hweguta hwokwira kudenga, vakadzokazve kuzouraya varume veAi.
Shona 2009?
Zvino Joshua navaIsiraeri vose vakati vaona kuti vavandiri vakunda guta, uye kuti utsi bweguta hwokwira kudenga, vakadzokazve kuzouraya varume veAi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Joshua naVaIsiraeri vose vakati vaona kuti vavandiri vakunda guta, uye kuti utsi hweguta hwokwira kudenga, vakadzokazve kuzouraya varume veAi.