Joshua 8:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naʋamŋe ʋakaɓuɗa muguta kuzorwa naʋo; naiɀoɀo ʋakaŋga ʋari pakati paʋaIsraeri, ʋamŋe necoʋuno ʋamŋe necokoko; ʋakaʋaʋuraya, kuȿikira ʋasina‐kurega mumŋe waʋo ari mupenyu, kana wakatiza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume vakanga vakavandira vakabudawo muguta kuzorwa navo, naizvozvo vakabva vaiswa pakati pavaIsraeri, vamwe nechokuno, vamwe nechokoko. VaIsraeri vakavauraya zvokusasiya kana mumwe chete wavo ari mupenyu kana vakatiza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vokupinda muguta vaya vakavabudirawo, saizvozvo ivo vakanga vava pakati, vachiti uku vaIsiraeri uku vaIsiraeri. VaIsiraeri vakavauraya zvokuti hakuna akasara ari mupenyu kana akapunyuka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Navamwe vakabuda muguta kuzorwa navo; naizvozvo vakanga vari pakati pavaIsiraeri, vamwe nechouno vamwe nechokoko; vakavauraya, kusvikira vasina kurega mumwe wavo ari mupenyu, kana wakatiza.
Shona 2009?
Navamwe vakabuda muguta kuzorwa navo; naizvozvo vakanga vari pakati pavaIsiraeri, vamwe nechouno vamwe nechokoko; vakavauraya, kusvikira vasina kurega mumwe wavo ari mupenyu, kana wakatiza.
Shona SUB 2002 Bible
Navamwe vakabuda muguta kuzorwa navo; naizvozvo vakanga vari pakati paVaIsiraeri, vamwe nechouno vamwe nechokoko; vakavauraya, kusvikira vasina kurega mumwe wavo ari mupenyu, kana wakatiza.