Joshua 8:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaIsraeri ʋakati ʋapedza kuʋuraya nomunondo unopinza ʋanhu ʋose ʋeAi kusaŋgo, kurenje kwaʋakaŋga ʋaʋateʋerera, kuȿikira ʋapera, ʋaIsraeri ʋakadzokera Ai, ʋakariparadza nomunondo unopinza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri pavakapedza kuuraya varume vose veAi nomunondo kusango nokurenje kwavakanga vavadzinganisira, uye mushure mokunge mumwe nomumwe wavo aurayiwa nomunondo vose vakadzokera kuAi vakauraya vose vaivamo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti vaIsiraeri vapedza kuuraya vagari vose vokuAi kugan'a kuya kurenje kwavakanga vachivadzingira, vapedza kuuraya munhu wose zvake nebakatwa, vaIsiraeri vose vakadzokera kuAi vakandouraya vose vaivamo namapakatwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaIsiraeri vakati vapedza kuuraya nomunondo unopinza vanhu vose veAi kusango, kurenje kwavakanga vavateverera, kusvikira vapera, vaIsiraeri vakadzokera Ai, vakariparadza nomunondo unopinza.
Shona 2009?
Zvino vaIsiraeri vakati vapedza kuuraya nomunondo unopinza vanhu vose veAi kusango, kurenje kwavakanga vavateverera, kusvikira vapera, vaIsiraeri vakadzokera Ai, vakariparadza nomunondo unopinza.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino VaIsiraeri vakati vapedza kuuraya nomunondo unopinza vanhu vose veAi kusango, kurenje kwavakanga vavateverera, kusvikira vapera, VaIsiraeri vakadzokera Ai, vakariparadza nomunondo unopinza.