Joshua 8:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaIsraeri ʋose naʋakuru ʋaʋo naʋatariri ʋaʋo, naʋatoŋgi ʋaʋo ʋakamira paareka necoʋuno neceseri, pamberi paʋaprista ʋaRevi, ʋaisitakura areka yesuŋgano yaJehova, pamŋe cete naʋatorwa naʋakaŋga ʋaɓerekerwa munyika; hafu yaʋo pamberi pegomo reGerizimi, nehafu yaʋo pamberi pegomo reEbari; seɀakaŋga ɀarairwa naMosesi, muranda waJehova, kuti ʋataŋge kuropafadza ʋana ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vose navatorwa, navakuru vavo navatariri vavo, navatongi vavo, vakanga vakamira kumativi maviri eareka yesungano yaJehovha, vakatarisa avo vakanga vakaitakura, vaprista, vakanga vari vaRevhi. Imwe hafu yavanhu yakanga yakamira pamberi pegomo reGerizimu uye imwe hafu yakamira pamberi pegomo reEbhari, sezvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha pakutanga paakati vanhu veIsraeri varopafadzwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vose zvavo, vatorwa pamwechete nezvidza zvomo, pamwechete navakuru vakuru vavo, namakurukota avo, navatongi vavo, vakandomira vakati vamwe uku, vamwe uku kumativi ebhokisi rechitenderano vakatarisana navapristi vaRevhi vokutakura bhokisi raTenzi rechitenderano. Chimwe chikamu chavo chakandomira pamberi pegomo reGerizimu, chimwe chikandomira pamberi pegomo reEbhari sokuudzwa kwavakanga vaitwa naMosesi muranda waTenzi pakutanga kuti vanofanira kupa vaIsiraeri chikomborero.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaIsiraeri vose navakuru vavo navatariri vavo, navatongi vavo vakamira paareka nechouno necheseri, pamberi pavapristi vaRevhi, vaisitakura areka yesungano yaJehovha, pamwechete navatorwa navakanga vaberekerwa munyika; hafu yavo pamberi pegomo reGerizimi, nehafu yavo pamberi pegomo reEbhari; sezvakanga zvarairwa naMosesi, muranda waJehovha, kuti vatange kuropafadza vana vaIsiraeri.
Shona 2009?
Valsiraeri vose navakuru vavo navatariri vavo, navatongi vavo vakamira paareka nechouno necheseri, pamberi pavaprista vaRevhi, vaisitakura areka yesungano yaJehovha, pamwechete navatorwa navakanga vaberekerwa munyika; hafu yavo pamberi pegomo reGerizimi, nehafu yavo pamberi pegomo reEbhari; sezvakanga zvarairwa naMozisi, muranda waJehovha, kuti vatange kuropafadza vana vaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
VaIsiraeri vose navakuru vavo navatariri vavo, navatongi vavo vakamira paareka nechouno necheseri, pamberi pavapristi vaRevhi, vaisitakura areka yesungano yaJehovha, pamwechete navatorwa navakanga vaberekerwa munyika; hafu yavo pamberi pegomo reGerizimu, nehafu yavo pamberi pegomo reEbharu; sezvakanga zvarairwa naMosesi, muranda waJehovha, kuti vatange kuropafadza vana VaIsiraeri.