Joshua 9:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakuru ʋeɗu naʋanhu ʋose ʋenyika yeɗu ʋakataura nesu, ʋakati: Torai mbuʋa yenzira mumaʋoko enyu, mundosoŋgana naʋo, muti kwaʋari: Tiri ʋaranda ʋenyu; ɀino itai suŋgano nesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vakuru vedu navagari vose vomunyika yedu vakati kwatiri, ‘Torai mbuva yerwendo rwenyu; muende munosangana navo muti kwavari, “Tiri varanda venyu; itai sungano nesu.”’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo vakuru vakuru vedu navanhu vose vomunyika medu vakatiti, ‘Torai mbuva mupinde munzira mundochingudzana navo, muvati, tiri varanda venyu, tiri kukumbirawo kuti tiite chitenderano nemi.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakuru vedu navanhu vose venyika yedu vakataura nesu, vakati, ‘Torai mbuva yenzira mumaoko enyu, mundosangana navo,’ muti kwavari, ‘Tiri varanda venyu; zvino itai sungano nesu.
Shona 2009?
Vakuru vedu navanhu vose venyika yedu vakataura nesu, vakati, `Torai mbuva yenzira mumaoko enyu, mundosangana navo,' muti kwavari, `Tiri varanda venyu; zvino itai sungano nesu.
Shona SUB 2002 Bible
Vakuru vedu navanhu vose venyika yedu vakataura nesu, vakati, ‘Torai mbuva yenzira mumaoko enyu, mundosangana navo,’ muti kwavari, ‘Tiri varanda venyu; zvino itai sungano nesu.