Joshua 9:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀiŋgwa iɀo ɀembuʋa yeɗu takaɀitora ɀicakapisa mudzimba dzeɗu musi watakaɓuɗa, ticiʋuya kwamuri; asi ɀino tarirai, ɀawoma, ɀavuva.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvingwa zvedu izvi zvakanga zvichidziya patakazvitora mudzimba dzedu zuva ratakasimuka tichiuya kuno. Asi zvino chionai kuoma nokuvhuvha kwazvaita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tarisai muone chingwa chedu chembuva. Izvozvi musi watakasimuka tichiuya kwamuri, chakanga chichitopisa patakachitora mumba. Asi iye zvino chionai chaoma kuti papata, chatova nechiundudzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvingwa izvo zvembuva yedu takazvitora zvichakapisa mudzimba dzedu musi watakabuda, tichiuya kwamuri; asi zvino tarirai, zvaoma, zvavhuvha.
Shona 2009?
Zvingwa izvo zvembuva yedu takazvitora zvichakapisa mudzimba dzedu musi watakabuda, tichiuya kwamuri; asi zvino tarirai, zvaoma, zvavhuvha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvingwa izvo zvembuva yedu takazvitora zvichakapisa mudzimba dzedu musi watakabuda, tichiuya kwamuri; asi zvino tarirai, zvaoma, zvavhuvha.