Joshua 9:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaIsraeri haʋana‐kuʋaparadza, nokuti macinda eʋuŋgano akaŋga apika kwaʋari naJehova Mŋari waIsraeri. Ʋuŋgano yose ikapopotera macinda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vaIsraeri havana kuvarwisa, nokuti vakuru veungano vakanga vaita mhiko kwavari naJehovha, Mwari waIsraeri. Ungano yose yakapopotera vatungamiri,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vaIsiraeri havana kuvauraya nokuti vatungamiriri vegungano vakanga vapika naTenzi Mwari wavaIsiraeri. Vanhu vose vakabva vanyunyutira vatungamiriri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaIsiraeri havana kuvaparadza, nokuti machinda eungano akanga apika kwavari naJehovha Mwari waIsiraeri. Ungano yose ikapopotera machinda.
Shona 2009?
Vana vaIsiraeri havana kuvaparadza, nokuti machinda eungano akanga apika kwavari naJehovha Mwari waIsiraeri. Ungano yose ikapopotera machinda.
Shona SUB 2002 Bible
Vana VaIsiraeri havana kuvaparadza, nokuti machinda eungano akanga apika kwavari naJehovha Mwari waIsiraeri. Ungano yose ikapopotera machinda.