Joshua 9:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakapindura Joshua, ʋakati: Nokuti ʋaranda ʋenyu ʋakaŋga ʋaʋudzwa ɀirokwaɀo kuti Jehova Mŋari wenyu wakaŋga araira muranda wake Mosesi, kuti akupei nyika yose, nokuparadza ʋose ʋagere panyika ino pamberi penyu; naiɀoɀo takatya kwaɀo nokuɗa kwenyu kuti ticaʋurawa, tikaita cinhu ici.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo vakapindura Joshua vachiti, “Varanda venyu vakanga vaudzwa pachena kuti Jehovha Mwari wenyu akanga arayira Mozisi muranda wake sei kuti akupei nyika yose nokuparadza vose vageremo pamberi penyu. Naizvozvo taityira upenyu hwedu nokuda kwenyu, zvino ndicho chikonzero takaita izvi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakapindura Joshuwa vachiti, “Takaita izvozvi nokuti isu varanda venyu takanga tanyatsorondedzerwa zvakatemwa naTenzi Mwari wenyu akazvipa kuna Mosesi muranda wake zvokuti ari kukupai nyika iyi yose achifanokuurayirai vanhu vose vomo. Takabva tatyira upenyu hwedu ndokubva taita izvozvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakapindura Joshua, vakati, “Nokuti varanda venyu vakanga vaudzwa zvirokwazvo kuti Jehovha Mwari wenyu wakanga araira muranda wake Mosesi, kuti akupei nyika yose, nokuparadza vose vagere panyika ino pamberi penyu; naizvozvo takatya kwazvo nokuda kwenyu kuti tichaurawa, tikaita chinhu ichi.
Shona 2009?
Vakapindura Joshua, vakati, "Nokuti varanda venyu vakanga vaudzwa zvirokwazvo kuti Jehovha Mwari wenyu wakanga araira muranda wake Mozisi, kuti akupei nyika yose, nokuparadza vose vagere panyika ino pamberi penyu; naizvozvo takatya kwazvo nokuda kwenyu kuti tichaurawa, tikaita chinhu ichi.
Shona SUB 2002 Bible
Vakapindura Joshua, vakati, “Nokuti varanda venyu vakanga vaudzwa zvirokwazvo kuti Jehovha Mwari wenyu wakanga araira muranda wake Mosesi, kuti akupei nyika yose, nokuparadza vose vagere panyika ino pamberi penyu; naizvozvo takatya kwazvo nokuda kwenyu kuti tichaurayiwa, tikaita chinhu ichi.