Jude 1:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanenhamo, nokuti ʋakafamba nenzira yaKaini, ʋakapeŋgera kukutsauka kwaBarami nokuɗa kwomuɓairo, ʋakaparadzwa nokukakaʋara kwaKora.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vane nhamo! Vakasarudza nzira yaKaini; vakamhanyira mubayiro wokutsauka kwaBharamu; vakaparadzwa mukupanduka kwaKora.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hameno zvavo! Vakatevera gwara raKaini vakazvipinza mukukanganisa kwaBhiriamu pamusana pokuda kuzvipfumisa vachizoparadzwa mukupanduka kwaKora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vane nhamo, nokuti vakafamba nenzira yaKaini, vakapengera kutsauka kwaBharami nokuda kwomubayiro, vakaparadzwa nokukakavara kwaKora.
Shona 2009?
Vanenhamo, nokuti vakafamba nenzira yaKaini, vakapengera kukutsauka kwaBharami nokuda komubairo, vakaparadzwa nokukakavara kwaKora.
Shona SUB 2002 Bible
Vane nhamo, nokuti vakafamba nenzira yaKaini, vakapengera kutsauka kwaBharamu nokuda kwomubairo, vakaparadzwa nokukakavara kwaKora.