Jude 1:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu aʋa mabge akaʋanzika pamitambo yenyu yoruɗo, kana ʋodya nemi ʋasiŋgatyi, ʋafudzi ʋanoŋgoɀifudza iʋo; makore asinemvura, anotinhwa nemhepo; miti yecando isineɀiɓereko, yakafa kaʋiri, yakadzurwa nemidzi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu ava makwapa pamitambo yenyu yorudo, vanodya nemi vasingatyi napaduku, vanongozvipa zvokudya ivo chete. Makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yenguva yamasutso, isina michero uye yakadzurwa, yakafa zvakapetwa kaviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu ivava munzwa mundove pamabiko enyu orudo vanosasana pamwechete zvisina nyadzi. Chavo kuzvifunga ivo pachavo. Makore zvawo asina mvura anongopeperetswa nemhepo, miti yokupera kwamatsutso isina muchero yakafa kaviri, yakadzipurwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu ava mabwe akavanzika pamitambo yenyu yorudo, kana vodya nemi vasingatyi, vafudzi vanongozvifudza ivo; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa nemidzi;
Shona 2009?
Vanhu ava mabwe akavanzika pamitambo yenyu yorudo, kana vodya nemwi vasingatyi, vafudzi vanongozvifudza ivo; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando isinezvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa nemidzi;
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu ava mabwe akavanzika pamitambo yenyu yorudo, kana vodya nemi vasingatyi, vafudzi vanongozvifudza ivo; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa nemidzi;