Jude 1:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kunaMŋari iye mumŋe, Muponesi weɗu, naJesu Kristu, Ishe weɗu, ŋgakuʋe kubginya, noʋumambo, nesimba, noʋushe, ŋguʋa isati yaʋa’po, naɀino, nokusiŋgaperi. Ameni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kuna iye Mwari oga muponesi wedu, ngakuve nokubwinya, umambo, simba noukuru, nokuna Jesu Kristu Ishe wedu, nguva isati yavapo, zvino nokusingaperi! Ameni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuna iye Mwari mumwechete Mununuri wedu nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu ngakuve nembiri, noukuru, nesimba nechiremera sezvakanga zviripo nakare kose, zviripo iye zvino uye nokusingaperi. Ameni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuna Mwari iye mumwe, Muponesi wedu, naJesu Kristu, Ishe wedu, ngakuve kubwinya, noumambo, nesimba, noushe, nguva isati yavapo, nazvino nokusingaperi. Ameni.
Shona 2009?
kunaMwari mumwe chete wakachenjera, Muponesi wedu, naJesu Kristu, Ishe wedu, ngakuve kubwinya, novumambo, nesimba, novushe, zvino, nokusingaperi. Ameni.
Shona SUB 2002 Bible
kuna Mwari iye mumwe, Muponesi wedu, naJesu Kristu, Ishe wedu, ngakuve kubwinya, noumambo, nesimba, noushe, nguva isati yavapo, nazvino nokusingaperi. Ameni.