Jude 1:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaɗikanwa, ndakati ndicishiŋgaira ɀikuru kukunyorerai pamsoro pokuponeswa kweɗu tose, ndakaʋona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndicikurairai kuti murwire kwaɀo kutenda kwakaɗeya kupiwa ʋatȿene kamŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shamwari dzinodikanwa, kunyange ndakanga ndichishingairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro poruponeso rwatinogovana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vadikanwi pandaiva neshungu dzokukunyorerai nezvoruponeso rwedu tose, ndakaona chiri chinhu chinofanira kuitwa chokuti ndikunyorerei ndichikukumbirai kuti murwirewo chitendero chakapiwa chakamwe kuvatsvene.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vadikanwi, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakaona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurayirai kuti murwire kwazvo kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe.
Shona 2009?
Vadikamwa, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakavona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurairai kuti murwire kwazvo kutenda kwakadeya kupiwa vatsvene kamwe.
Shona SUB 2002 Bible
Vadikanwi, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakaona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurayirai kuti murwire kwazvo kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe.