Jude 1:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kunaʋamŋe ʋarume ʋakapinda pakaʋanda, ʋakagara ʋaisirwa kare kutoŋgwa uku, ʋanhu ʋasiŋgaɗi Mŋari, ʋanoshandura nyasha dzaMŋari weɗu ʋacidziita ʋutere, ʋaciramba Tenzi uyu mumŋe cete, Ishe weɗu Jesu Kristu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti vamwe varume vane kutongwa kwavo kwakanyorwa nezvako kare, vakapinda muchivande pakati penyu. Ivo vanhu vasina Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidzitora semvumo yokuita upombwe, uye vachiramba Jesu Kristu, Ishe naTenzi wedu mumwe oga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pana vamwe vanhu vakapinda pakati penyu zvomuchivande. Vanhu ivavo vakatemerwa kare kare kurangwa kwavo ikoko. Vanhu vasiri vatendi vaMwari vanosandura nyasha dzaMwari wedu kuti vawane maitiro ounzenza vachiramba Changamire naTenzi wedu mumwechete, Jesu Kristu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kuna vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere, vachiramba Tenzi uyu mumwechete, Ishe wedu Jesu Kristu.
Shona 2009?
Nokuti kuna vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita vutere, vachiramba tenzi uyu mumwe chete, Ishe wedu Jesu Kristu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kuna vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere, vachiramba Tenzi uyu mumwechete, Ishe wedu Jesu Kristu.