Jude 1:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndinoɗa kukuyeʋudzai, kunyaŋge maiɀiziʋa henyu kamŋe kare ɀose, kuti Ishe, wakati amborwira ʋanhu munyika yeEgipita, akazoparadza aʋo ʋakaŋga ʋasiŋgatendi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange maizviziva henyu kare, ndinoda kukuyeuchidzai kuti Ishe akasunungura vanhu vake kubva muIjipiti, asi pashure akaparadza vaya vakanga vasingatendi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange makambonyatsozviziva kwazvo kuti iye akambonunura rumwe rudzi kubva kunyika yeIjipiti akazoparadza vakanga vasingatendi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange maizviziva henyu kamwe kare zvose, kuti Ishe, akati amborwira vanhu munyika yeIjipiti, akazoparadza avo vakanga vasingatendi.
Shona 2009?
Zvino ndinoda kukuyevudzai, kunyange maizviziva henyu kamwe kare zvose, kuti Ishe, wakati amborwira vanhu munyika yeIjipiti, akazoparadza avo vakanga vasingatendi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyangwe maizviziva henyu kamwe kare zvose, kuti Ishe, akati amborwira vanhu munyika yeIjipiti, akazoparadza avo vakanga vasingatendi.