Jude 1:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naʋatumŋa, ʋasinakuceŋgeta ʋukuru bgaʋo, asi ʋakasiya paʋaifanira kugara, wakaʋaceŋgeta muɀisuŋgo ɀisiŋgaperi pasi perima guru kuȿikira pakutoŋgwa kwezuʋa guru;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye vatumwa vasina kuchengeta nzvimbo youkuru hwavo asi vakasiya musha wavo, ivava akavachengeta murima, vakasungwa nengetani dzokusingaperi vakamirira kutongwa pazuva guru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uye vatumwa vaya vakasiya chinzvimbo chavo choukuru ukuru vakasiya nzvimbo yavo chaiyo vakasungwa nengetani dzinogara nokusingaperi munzvimbo yerima kusvikira pakutongwa kwezuva guru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Navatumwa, vasina kuchengeta ukuru hwavo, asi vakasiya pavaifanira kugara, wakavachengeta muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira pakutongwa kwezuva guru;
Shona 2009?
Navatumwa, vasina kuchengeta vukuru bwavo, asi vakasiya pavaifanira kugara, wakavachengeta muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira pakutongwa kwezuva guru;
Shona SUB 2002 Bible
Navatumwa, vasina kuchengeta ukuru hwavo, asi vakasiya pavaifanira kugara, wakavachengeta muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira pakutongwa kwezuva guru;