Jude 1:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro, ʋanhu aʋa pakurota kwaʋo ʋanoȿiɓisa nyama yaʋo saiɀoɀo, ʋaciramba ʋukuru, nokutuka aʋo ʋanokubginya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nenzira imwe cheteyo, ava varoti vanosvibisa miviri yavo, vachiramba vakuru uye vachituka zvisikwa zvokudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nenzira imwecheteyo, vanhu ava, mune zvavanorotswa, vanon'oresa miviri yavo vachiramba kuteerera vakuru nokushonha vaya vembiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro, vanhu ava pakurota kwavo vanosvibisa nyama yavo saizvozvo, vachiramba ukuru, nokutuka avo vanokubwinya.
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro, vanhu ava pakurota kwavo vanosvibisa nyama yavo saizvozvo, vachiramba vukuru, nokutuka avo vanokubwinya.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro, vanhu ava pakurota kwavo vanosvibisa nyama yavo saizvozvo, vachiramba ukuru, nokutuka avo vanokubwinya.