Judges 1:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Manase haana‐kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Beti‐sheani, nemisha yaro, kana ʋeTaanaki, nemisha yaro, kana ʋakaŋga ʋagere Dori, nemisha yaro, kana ʋakaŋga ʋagere Ibreami, nemisha yaro, kana ʋakaŋga ʋagere Megido, nemisha yaro; asi ʋaKanani ʋakaramba ʋaciɗa kugara panyika iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Manase haana kudzinga vanhu veBheti Shani kana veTanaki kana veDhori kana veIbhireami kana veMegidho uye nenzvimbo dzavo dzokugara dzakapoteredza, nokuti vaKenani vakanga vazvipira kuti vagare munyika iyoyo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaManase havana kudzinga vagari vomumaguta aya anoti: Bhetisheani nemisha yaro, kwouya Taanaki nemisha yaro, kwochiti Dhori nemisha yaro kwoti Ibhereamu nemisha yaro kwozoti Megidho nemisha yaro. Asi vaKanani vakaramba vangotsungisawo mwoyo kugara munyika imomo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Manase haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bheti-sheani, nemisha yaro, kana veTaanaki, nemisha yaro, kana vakanga vagere Dhori, nemisha yaro; kana vakanga vagere Ibhireami, nemisha yaro, kana vakanga vagere Megidho, nemisha yaro; asi vaKenani vakaramba vachida kugara panyika iyo.
Shona 2009?
Manase haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bheti-sheani, nemisha yaro, kana veTaanaki, nemisha yaro, kana vakanga vagere Dhori, nemisha yaro; kana vakanga vagere Ibhireami, nemisha yaro, kana vakanga vagere Megidho, nemisha yaro; asi vaKenani vakaramba vachida kugara panyika iyo.
Shona SUB 2002 Bible
Manase haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bheti–sheani, nemisha yaro, kana veTaanaki, nemisha yaro, kana vakanga vagere Dhori, nemisha yaro; kana vakanga vagere Ibhireami, nemisha yaro, kana vakanga vagere Megidho, nemisha yaro; asi VaKenani vakaramba vachida kugara panyika iyo.