Judges 1:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Juda akati kunaSimeoni mukuru wake: Hendei tose kumugoʋe waŋgu, tirwe naʋaKanani, neni ndigoenda newe kumugoʋe wako. Ipapo Simeoni akaenda naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo varume veJudha vakati kuvaSimeoni hama dzavo, “Ngatiendei tose kunyika yatakagoverwa, kuti tindorwa navaKenani. Nesuwo tichaenda nemi kumugove wenyu.” Saka vaSimeoni vakaenda navo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaJudha vakati kuhama dzavo dzokwaSimeoni, “Hendei tose kunyika yatakagoverwa, tindorwisa vaKanani, isu tizondorwawo saizvozvo pamwechete nemi kunyika yenyu yamakagoverwa.” VokwaSimeoni ndokubva vaenda navo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Judha akati kuna Simeoni mukuru wake, “Hendei tose kumugove wangu, tirwe navaKenani, neni ndigoenda newe kumugove wako.” Ipapo Simeoni akaenda naye.
Shona 2009?
Zvino Judha akati kuna Simiyoni mukuru wake, "Hendei tose kumugove wangu, tirwe navaKenani, neni ndigoenda newe kumugove wako." Ipapo Simiyoni akaenda naye.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Judha akati kuna Simioni mukuru wake, “Hendei tose kumugove wangu, tirwe naVaKenani, neni ndigoenda newe kumugove wako.” Ipapo Simioni akaenda naye.