Judges 1:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Adoni‐bezeki akati: Madzimambo anamakumi manomŋe, akaŋga akagurwa magunwe awo namagunwe amakumbo awo, ainoŋga ɀokudya ɀawo pasi petafura yaŋgu; seɀandakaita ini, Mŋari wakanditsiʋa ʋo. Ʋakaenda naye Jerusarema, akafira’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Adhoni Bhezeki akati, “Madzimambo makumi manomwe, vagurwa zvigunwe zvikuru zvomumaoko nezvigunwe zvikuru zvokumakumbo, vakanonga zvimedu zvezvokudya pasi petafura yangu. Zvino Mwari anditsiva pane zvandakaita kwavari.” Vakaenda naye kuJerusarema akandofira ikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Adhonibhezeki akati, “Ndaiva namakumi manomwe amadzimambo andakanga ndakadimura zvara zvawo mumaoko nezvigunwe zvawo zvikuru, chokudya vachiita chokutonongerera pasi petafura yangu yandaidyira. Nhasi uno Mwari anditsiva zvandakavaitira.” Vakaenda naye kuJerusaremu akandofirako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Adhoni-bhezeki akati, “Madzimambo ana makumi manomwe, akanga akagurwa magunwe awo namagunwe amakumbo awo, ainonga zvokudya zvawo pasi petafura yangu; sezvandakaita ini, Mwari wakanditsivawo.” Vakaenda naye Jerusaremu, akafirapo.
Shona 2009?
Ipapo Adhoni-bhezeki akati, "Madzimambo ana makumi manomwe, akanga akagurwa magumwe awo namagumwe amakumbo awo, ainonga zvokudya zvawo pasi petafura yangu; sezvandakaita ini, Mwari wakanditsivawo." Vakaenda naye Jerusaremu, akafirapo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Adhoni–bhezeki akati, “Madzimambo ana makumi manomwe, akanga akagurwa magunwe awo namagunwe amakumbo awo, ainonga zvokudya zvawo pasi petafura yangu; sezvandakaita ini, Mwari wakanditsivawo.” Vakaenda naye Jerusaremu, akafirapo.