Judges 10:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu, iwo macinda aGireadi, ʋakataurirana, ʋakati: Ndianiko munhu ucataŋga kurwa naʋana ʋaAmoni? Iye ucaʋa mukuru waʋose ʋagere Gireadi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vatungamiri vavanhu veGireadhi vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Ani naani achatanga kundorwa navaAmoni ndiye achava mukuru wavose vanogara muGireadhi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu, vatungamiriri vokuGireadhi, vechiIsiraeri, vakataurirana vachiti, “Ndiani angatange kurwisa vaAmoni? Ndiye achava mutungamiriri wavanhu, vose vokuGireadhi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu, iwo machinda aGireadhi, vakataurirana, vakati, “Ndianiko munhu uchatanga kurwa navana vaAmoni? Iye uchava mukuru wavose vagere Gireadhi.”
Shona 2009?
Zvino vanhu, iwo machinda aGiriyadhi, vakataurirana, vakati, "Ndianiko munhu uchatanga kurwa navana vaAmoni? Iye uchava mukuru wavose vagere Giriyadhi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu, iwo machinda aGireadhi, vakataurirana, vakati, “Ndianiko munhu uchatanga kurwa navana vaAmoni? Iye uchava mukuru wavose vagere Gireadhi.”