Judges 10:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi matatu, ʋaitaȿa ʋana ʋemboŋgoro ʋanamakumi matatu, ʋuye ʋakaŋga ʋanamaguta anamakumi matatu, anonzi Havori‐jairi kuȿikira nhasi, ari munyika yeGireadi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akanga ana vanakomana makumi matatu, vaitasva mbongoro makumi matatu. Vaitonga maguta makumi matatu muGireadhi, ayo anodaidzwa nhasi kunzi Havhoti Jairi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akanga ane makumi matatu avana vakomana, vaitasva madhongi makumi matatu, vaine makumi matatu amaguta anonzi Havhotijairi nanhasi uno, ari munyika yeGireadhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wakanga ana vanakomana vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi matatu, uye vakanga vana maguta ana makumi matatu, anonzi Havhori-jairi kusvikira nhasi, ari munyika yeGireadhi.
Shona 2009?
Wakanga ana vanakomana vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi matatu, uye vakanga vana maguta ana makumi matatu, anonzi Havhori-jairi kusvikira nhasi, ari munyika yeGiriyadhi.
Shona SUB 2002 Bible
Wakanga ana vanakomana vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi matatu, uye vakanga vana maguta ana makumi matatu, anonzi Havhori–jairi kusvikira nhasi, ari munyika yeGireadhi.