Judges 10:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋakanetsa nokumanikidza ʋana ʋaIsraeri gore iro; ʋakamanikidza ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋagere mhiri kwaJoridani munyika yaʋaAmori, yaiʋa paGireadi, makore anegumi namasere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
avo vakavanetsa uye vakavapwanya mugore iroro. Vakadzvinyirira vaIsraeri vose vakanga vari nechokumabvazuva kweJorodhani muGireadhi, munyika yavaAmori, kwamakore gumi namasere.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gore iroro, vakaonesa vaIsiraeri ndondo, vachivabata zvakaipa. Kwakapera makore gumi namasere vachibata zvakaipa kwazvo vaIsiraeri vokumhiri kwaJorodhani, kunyika yavaAmori, kuGireadhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vakanetsa nokumanikidza vana vaIsiraeri gore iro; vakamanikidza vana vaIsiraeri vose vakanga vagere mhiri kwaJorodhani munyika yavaAmori, yaiva paGireadhi, makore ane gumi namasere.
Shona 2009?
Ivo vakanetsa nokumanikidza vana vaIsiraeri gore iro; vakamanikidza vana vaIsiraeri vose vakanga vagere mhiri kwaJorodhani munyika yavaAmori, yaiva paGiriyadhi, makore ane gumi namasere.
Shona SUB 2002 Bible
Ivo vakanetsa nokumanikidza vana VaIsiraeri gore iro; vakamanikidza vana VaIsiraeri vose vakanga vagere mhiri kwaJodhani munyika yavaAmori, yaiva paGireadhi, makore ane gumi namasere.