Judges 11:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo waʋana ʋaAmoni akapindura nhume dzaJefta, akati: Nokuti ʋaIsraeri ʋakatora nyika yaŋgu, ŋguʋa yaʋakabva Egipita, kubva paArnoni kusikira paJaboki neJoridani; saka ɀino cidzosai nyika idzo norugare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo wavaAmoni akapindura nhume dzaJefuta achiti, “VaIsraeri pavakabuda muIjipiti, vakatora nyika yangu kubva kuArinoni kusvikira kuJabhoki, kwose nokuJorodhani. Zvino idzosei norugare.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo wevaAmoni akapindura nhume dzaJefuta dziya achiti, “Chikonzero ndechokuti vaIsiraeri pavaibva kuIjipiti, vakatora nyika yangu kubvira kuna Arinoni kusvikira kuna Jabhoku nokuna Jorodhani. Zvino idzore zvichakanaka.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo wavana vaAmoni akapindura nhume dzaJefuta, akati, “Nokuti vaIsiraeri vakatora nyika yangu, nguva yavakabva Ijipiti, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki neJorodhani; saka zvino chidzosai nyika idzo norugare.”
Shona 2009?
Mambo wavana vaAmoni akapindura nhume dzaJefuta, akati, "Nokuti vaIsiraeri vakatora nyika yangu, nguva yavakabva Ijipiti, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki neJorodhani, saka zvino chidzosai nyika idzo norugare."
Shona SUB 2002 Bible
Mambo wavana vaAmoni akapindura nhume dzaJefuta, akati, “Nokuti VaIsiraeri vakatora nyika yangu, nguva yavakabva Ijipiti, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki neJodhani; saka zvino chidzosai nyika idzo norugare.”