Judges 11:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋaIsraeri ʋakatuma nhume kunamambo waEdomi, ʋaciti: Nditenderei henyu kupfuʋura napanyika yenyu; asi mambo waEdomi wakaramba kunzwa. Saiɀoɀo akatuma ʋo nhume kunamambo waMoabi; asi iye wakaramba; ɀino ʋaIsraeri ʋakagara paKadeshi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Israeri yakatuma nhume kuna mambo weEdhomu, achiti, ‘Titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu,’ asi mambo weEdhomu akaramba kunzwa. Vakatumawo nhume kuna mambo weMoabhu, naiyewo akaramba. Saka vakagara paKadheshi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo vaIsiraeri vakatumira nhume kuna mambo weEdhomu vachiti, ‘Tapota, tibvumireiwo kupfuura nomunyika yenyu.’ Asi mambo weEdhomu haana kana kuda kumbozvinzwa. Vakaitawo saizvozvo kuna mambo weMoabhu asi akaramba. Naizvozvo vaIsiraeri vakaita zvokutombogara zvavo kuKadheshi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vaIsiraeri vakatuma nhume kuna mambo waEdhomu, vachiti, ‘Nditenderei henyu kupfuura napanyika yenyu;’ asi mambo waEdhomu wakaramba kunzwa. Saizvozvo akatumawo nhume kuna mambo waMoabhu; asi iye wakaramba; zvino vaIsiraeri vakagara paKadheshi.
Shona 2009?
vaIsiraeri vakatuma nhume kuna mambo waEdhomu, vachiti, `Nditenderei henyu kupfuura napanyika yenyu;' asi mambo waEdhomu wakaramba kunzwa. Saizvozvo akatumawo nhume kuna mambo waMoabhu; asi iye wakaramba; zvino vaIsiraeri vakagara paKadheshi.
Shona SUB 2002 Bible
VaIsiraeri vakatuma nhume kuna mambo waEdhomu, vachiti, ‘Nditenderei henyu kupfuura napanyika yenyu;’ asi mambo waEdhomu wakaramba kunzwa. Saizvozvo akatumawo nhume kuna mambo waMoabhu; asi iye wakaramba; zvino VaIsiraeri vakagara paKadheshi.