Judges 11:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakafamba nomurenje, ʋakapota nyika yaEdomi, nenyika yaMoabi, ʋakaenda nokumabvazuʋa enyika yaMoabi, ʋakadzika matente aʋo necemhiri kwaArnoni; asi haʋana‐kuɗarika muganho waMoabi, nokuti Arnoni waiʋa muganho waMoabi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Shure kwaizvozvo vakafamba nomurenje, vachitenderera nyika dzeEdhomu neMoabhu, vakandodzika musasa kuno rumwe rutivi rweArinoni. Havana kupinda munyika yeMoabhu, nokuti Arinoni waiva muganhu wayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakabva ipapo vakapfuura nomurenje vachiita zvokutopoterera nyika yeEdhomu neyeMoabhu vari nechokumabvazuva kweMoabhu, vakazodzika matendhe avo kumhiri kwaArinoni. Asi havana kupinda munyika yeMoabhu nokuti Arinoni ndorwaiva muganhu weMoabhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakafamba nomurenje, vakapota nyika yaEdhomu nenyika yaMoabhu, vakaenda nokumabvazuva enyika yaMoabhu, vakadzika matende avo nechemhiri kwaArinoni; asi havana kudarika muganhu waMoabhu, nokuti Arinoni waiva muganhu waMoabhu.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible