Judges 11:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Sihoni haana‐kutenda ʋaIsraeri kuti ʋaɗarike muganho wake; Sihoni akaʋuŋganidza ʋanhu ʋake ʋose, akandodzika matente ake paJahazi, akarwa naʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, Sihoni haana kuvimba navaIsraeri kuti vapfuure nomunyika yake. Akaunganidza vanhu vake vose vakandodzika musasa paJahazi uye vakarwa navaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Sihoni haana kugutsikana nezvokuti vaIsiraeri vapfuure nomunyika yake. Naizvozvo Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, vakandodzika matendhe avo kuJahazi, vakarwisa vaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Sihoni haana kutenda vaIsiraeri kuti vadarike muganhu wake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akandodzika matende ake paJahazi, akarwa navaIsiraeri.
Shona 2009?
Asi Sihoni haana kutenda vaIsiraeri kuti vadarike muganhu wake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akandodzika matende ake paJahazi, akarwa navalsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Sihoni haana kutenda VaIsiraeri kuti vadarike muganhu wake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akandodzika matende ake paJahazi, akarwa naVaIsiraeri.