Judges 11:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova Mŋari waʋaIsraeri akaisa Sihoni naʋanhu ʋake ʋose mumaʋoko aʋaIsraeri ʋakaʋaʋuraya; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakatora nyika yose yaʋaAmori, ʋakaŋga ʋagere munyika iyo, ikaʋa yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo Jehovha, Mwari waIsraeri, akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsraeri, uye vakavakunda. Israeri yakatora nyika yose yavaAmori vaigara munyika iyo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi, Mwari wavaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsiraeri vakabva vavakurira. Nokudaro vaIsiraeri vakatorera vaAmori vaigaramo nyika yavo yose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsiraeri vakavauraya; naizvozvo vaIsiraeri vakatora nyika yose yavaAmori, vakanga vagere munyika iyo, ikava yavo.
Shona 2009?
Zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsiraeri vakavauraya; naizvozvo vaIsiraeri vakatora nyika yose yavaAmori, vakanga vagere munyika ivo, ikava yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha Mwari waVaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko aVaIsiraeri vakavauraya; naizvozvo VaIsiraeri vakatora nyika yose yavaAmori, vakanga vagere munyika iyo, ikava yavo.