Judges 11:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko ɀino imi makanaka kupfuʋura Baraki mŋanakomana waZipori, mambo waMoabi here? Iye wakatoŋgopopotera ʋaIsraeri, kana kurwa naʋo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, iwe uri nani kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu here? Akatombopopotedzana navaIsraeri kana kurwa navo here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munokunda Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu here? Ko iye akambokakavadzana navaIsiraeri here, kana kurwisana navo muhondo?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko zvino imi makanaka kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu here? Iye wakatongopopotera vaIsiraeri, kana kurwa navo here?
Shona 2009?
Ko zvino imwi makanaka kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu here? Iye wakatongopopotera vaIsiraeri, kana kurwa navo here?
Shona SUB 2002 Bible
Ko zvino imi makanaka kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu here? Iye wakatongopopotera VaIsiraeri, kana kurwa navo here?