Judges 11:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ini handinakukutadzira, asi ndiwe unondiitira ɀakaipa, uciɗa kurwa neni; Jehova, iye Mutoŋgi, ŋgaatoŋge nhasi pakati paʋana ʋaIsraeri naʋana ʋaAmoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ini handina kukutadzira asi iwe ndiwe wava kundikanganisira nokuda kurwa neni. Jehovha, iye mutongi ngaatonge, ngaatonge gakava iri nhasi riri pakati pavaIsraeri navaAmoni.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo hapana chandakakutadzirai. Ndimi mava kutonditadzira nokuita hondo neni. Tenzi ndiye Mutongi, ndiye achaenzanisa nhasi uno mhosva iri pakati pavaIsiraeri navaAmoni.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo ini handina kukutadzira, asi ndiwe unondiitira zvakaipa, uchida kurwa neni; Jehovha, iye Mutongi, ngaatonge nhasi pakati pavana vaIsiraeri navana vaAmoni.”
Shona 2009?
Naizvozvo ini handina kukutadzira, asi ndiwe unondiitira zvakaipa, uchida kurwa neni; Jehovha, iye Mutongi, ngaatonge nhasi pakati pavana vaIsiraeri navana vaAmoni."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo ini handina kukutadzira, asi ndiwe unondiitira zvakaipa, uchida kurwa neni; Jehovha, iye Mutongi, ngaatonge nhasi pakati pavana VaIsiraeri navana vaAmoni.”