Judges 11:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mŋeya waJehova wakaʋuya pamsoro paJefta, akapfuʋura kunyika yaGireadi neyaManase, akapfuʋura ʋo napaMizpe paGireadi, akabva paMizpe paGireadi, akapfuʋura kuʋana ʋaAmoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta. Akayambuka Gireadhi neManase, akapfuura napaMizipa yeGireadhi, uye kubva ipapo akafamba akandorwa navaAmoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mweya waTenzi wakauya pana Jefuta, akapfuura nomuGireadhi nomaManase, ndokusvika kuMizipa muGireadhi. Akazovinga vaAmoni achibva kuMizipa kuGireadhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta, akapfuura kunyika yaGireadhi neyaManase, akapfuurawo napaMizipa paGireadhi, akabva paMizipa paGireadhi, akapfuura kuvana vaAmoni.
Shona 2009?
Zvino Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta, akapfuura kunyika yaGiriyadhi neyaManase, akapfuurawo napaMizipa paGiriyadhi, akabva paMizipa paGiriyadhi, akapfuura kuvana vaAmoni.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mweya waJehovha akauya pamusoro paJefuta, akapfuura kunyika yaGireadhi neyaManase, akapfuurawo napaMizipa paGireadhi, akabva paMizipa paGireadhi, akapfuura kuvana vaAmoni.