Judges 11:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jefta akaȿika paMizpa paimba yake, ɀino tarira, mukunda wake akaɓuɗa kuzosoŋgana naye namakandira, nokupembera. Iye wakaŋga ari mŋana wake mumŋe cete, wakaŋga asinomumŋe mŋana kunze kwake, kana mŋanakomana, kana mŋanasikana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jefuta akati odzokera kumusha kwake kuMizipa, ndiani akazouya kuzomuchingamidza kunze kwomwanasikana wake, achitamba, matamborini achiridzwa! Ndiye akanga achingova mwana wake oga. Akanga asina mwanakomana kana mwanasikana kunze kwake iye oga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jefuta paakadzokera kumusha kwake kuMizipa mwanasikana wake akabuda kumuchingura achiridza hosho achidzana. Ndiye aingova mwana wake mumwechete, akanga asina kana mumwe mwana, mukomana kana musikana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jefuta akasvika paMizipa paimba yake, zvino tarira, mukunda wake akabuda kuzosangana naye namakandira, nokupembera. Iye wakanga ari mwana wake mumwe chete, wakanga asina mumwe mwana kunze kwake, kana mwanakomana, kana mwanasikana.
Shona 2009?
Jefuta akasvika paMizipa paimba yake, zvino tarira, mukunda wake akabuda kuzosangana naye namakandira, nokupembera. Iye wakanga ari mwana wake mumwe chete, wakanga asina mumwe mwana kunze kwake, kana mwanakomana, kana mwanasikana.
Shona SUB 2002 Bible
Jefuta akasvika paMizipa paimba yake, zvino tarira, mukunda wake akabuda kuzosangana naye namakandira, nokupembera. Iye wakanga ari mwana wake mumwechete, wakanga asina mumwe mwana kunze kwake, kana mwanakomana, kana mwanasikana.