Judges 11:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acimuʋona, akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Haiwa! mukunda waŋgu! iwe wandiʋonesa nhamo kwaɀo, iwe uri pakati paʋanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo waŋgu kunaJehova, handiŋgagoni kudzoka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati achimuona akabvarura nguo dzake uye akachema achiti, “Haiwa mwanasikana wangu! Wandishungurudza nokuti ndaita mhiko kuna Jehovha yandisingagoni kuputsa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achingomuona akabvarura hanzu dzake achiti, “Baba-iwe kani, mwanangu! Inga wandiparadza, wandipinza nhamo chaiyo nokuti ndakasimudza muromo kuita mhiko kuna Tenzi yandisingagoni kutyora.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati achimuona, akabvarura nguo dzake, akati, “Haiwa! Mukunda wangu! Iwe wandionesa nhamo kwazvo, iwe uri pakati pavanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo wangu kuna Jehovha, handingagoni kudzoka.”
Shona 2009?
Zvino wakati achimuona, akabvarura nguvo dzake, akati, "Haiwa! Mukunda wangu! Iwe wandionesa nhamo kwazvo, iwe uri pakati pavanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo wangu kuna Jehovha, handingagoni kudzoka."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati achimuona, akabvarura nguo dzake, akati, “Haiwa! Mukunda wangu! Iwe wandionesa nhamo kwazvo, iwe uri pakati pavanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo wangu kuna Jehovha, handingagoni kudzoka.”