Judges 11:37 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kunaɓaɓa ʋake: Nditenderei henyu cinhu ici: Nditenderei mŋedzi miʋiri, ndiende, ndiɓurukire kumakomo, ndiceme ʋumhandara bgaŋgu, ini neshamŋari dzaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nditenderei henyu chikumbiro chimwe chete ichi, Ndipei henyu mwedzi miviri kuti ndiende kuzvikomo uye ndinochema pamwe chete neshamwari dzangu, nokuti handichatongowanikwi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akakumbira baba wake kuti, “Asi chandinongokumbira ndechichi chokuti dai mukambondirega kwemwedzi miviri, ndimbofamba-famba zvangu mumakomo neshamwari dzangu, ndichichema kuti ndichafa ndiri mhandara kudai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kuna baba vake, “Nditenderei henyu chinhu ichi: Nditenderei mwedzi miviri, ndiende, ndiburukire kumakomo, ndicheme umhandara hwangu, ini neshamwari dzangu.”
Shona 2009?
Akati kuna baba vake, "Nditenderei henyu chinhu ichi: Nditenderei mwedzi miviri, ndiende, ndiburukire kumakomo, ndicheme umhandara hwangu, ini neshamwari dzangu."
Shona SUB 2002 Bible
Akati kuna baba vake, “Nditenderei henyu chinhu ichi: Nditenderei mwedzi miviri, ndiende, ndiburukire kumakomo, ndicheme umhandara hwangu, ini neshamwari dzangu.”