Judges 11:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋorwa naʋaIsraeri, ʋakuru ʋeGireadi ʋakandotora Jefta panyika yeTobi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakuru veGireadhi vakaenda kundotora Jefuta kubva kunyika yeTobhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Amoni paakarwisa vaIsiraeri kudaro vatungamiriri vokuGireadhi vakandotora Jefuta kunyika yeTobhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vana vaAmoni vakati vorwa navaIsiraeri, vakuru veGireadhi vakandotora Jefuta panyika yeTobhi.
Shona 2009?
Zvino vana vaAmoni vakati vorwa navaIsiraeri, vakuru veGiriyadhi vakandotora Jefuta panyika yeTobhi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vana vaAmoni vakati vorwa naVaIsiraeri, vakuru veGireadhi vakandotora Jefuta panyika yeTobhi.