Judges 11:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jefta akati kuʋakuru ʋeGireadi: Hamunakundiʋeŋga, mukandidziŋga mumba maɓaɓa ʋaŋgu here? Ɀino maʋuyireiko kwandiri, ɀamaʋa munjodzi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jefuta akati kwavari, “Hamuna kundivenga here mukandidzinga mumba mababa vangu? Sei mava kuuya kwandiri zvino, imi mava munhamo?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jefuta akapindura vatungamiriri vokuGireadhi ava achiti, “Handiti imi makandivenga here, mukandidzinga mumusha mababa vangu? Nhasi mava mumatambudziko, mavakuuya kwandiri pamusana pei?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jefuta akati kuvakuru veGireadhi, “Hamuna kundivenga mukandidzinga mumba mababa vangu here? Zvino mauyireiko kwandiri, zvamava munjodzi?”
Shona 2009?
Jefuta akati kuvakuru veGiriyadhi, "Hamuna kundivenga mukandidzinga mumba mababa vangu here? Zvino mauyireiko kwandiri, zvamava munjodzi?"
Shona SUB 2002 Bible
Jefuta akati kuvakuru veGireadhi, “Hamuna kundivenga mukandidzinga mumba mababa vangu here? Zvino mauyireiko kwandiri, zvamava munjodzi?”