Judges 11:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakuru ʋeGireadi ʋakati kunaJefta: Naiɀoɀo tadzokera kwauri, kuti uende nesu kundorwa naʋana ʋaAmoni, iwe ugoʋa mukuru weɗu nowaʋose ʋagere Gireadi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakuru veGireadhi vakati kwaari, “Zvisinei hazvo, isu hedu tiri kudzokera kwamuri iye zvino; handei tose kundorwa navaAmoni, uye muchava mukuru wedu pamusoro pavose vagere muGireadhi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakuru vakuru veGireadhi vakamupindura vachiti, “He-ekaka ndokusaka tauya kwauri. Tati uende nesu kundorwisa vaAmoni somutungamiriri wavanhu vose vokuGireadhi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakuru veGireadhi vakati kuna Jefuta, “Naizvozvo tadzokera kwauri, kuti uende nesu kundorwa navana vaAmoni, iwe ugova mukuru wedu nowavose vagere Gireadhi.”
Shona 2009?
Vakuru veGiriyadhi vakati kuna Jefuta, "Naizvozvo tadzokera kwauri, kuti uende nesu kundorwa navana vaAmoni, iwe ugova mukuru wedu nowavose vagere Giriyadhi."
Shona SUB 2002 Bible
Vakuru veGireadhi vakati kuna Jefuta, “Naizvozvo tadzokera kwauri, kuti uende nesu kundorwa navana vaAmoni, iwe ugova mukuru wedu nowavose vagere Gireadhi.”