Judges 12:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋaEfraimi ʋakaʋuŋgana, ʋakapfuʋurira kurutiʋi rwokumsoro, ʋakati kunaJefta: Wakapfuʋurireiko kundorwa naʋana ʋaAmoni, ukasatiɗana isu kuti tiende ʋo newe? Ticapisa imba yako pamsoro pako nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume veEfuremu vakadana varwi vavo, vakayambuka mhiri vakaenda kuZafani uye vakati kuna Jefuta, “Wakaendereiko kundorwa navaAmoni ukasatidana kuti tiende newe? Tichapisa imba yako iwe uri mukati.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vokwaEfuraimu vakaunganirana hondo, vakayambukira kuZafoni vakati kuna Jefuta, “Wakayambukireiko kundorwisa vaAmoni usina kutidaidza kuti tiende pamwechete newe? Tinoda kukupisira mumba mako nomoto.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vaEfuremu vakaungana, vakapfuurira kurutivi rwokumusoro, vakati kuna Jefuta, “Wakapfuurireiko kundorwa navana vaAmoni, ukasatidana isu kuti tiendewo newe? Tichapisa imba yako pamusoro pako nomoto.”
Shona 2009?
Zvino varume vaEfuremu vakaungana, vakapfuurira kurutivi rwokumusoro, vakati kuna Jefuta, "Wakapfuurireiko kundorwa navana vaAmoni, ukasatidana isu kuti tiendewo newe? Tichapisa imba yako pamusoro pako nomoto."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume vaEfuremu vakaungana, vakapfuurira kurutivi rwokumusoro, vakati kuna Jefuta, “Wakapfuurireiko kundorwa navana vaAmoni, ukasatidana isu kuti tiendewo newe? Tichapisa imba yako pamusoro pako nomoto.”