Judges 12:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jefta akati kwaʋari: Ini naʋanhu ʋaŋgu takaŋga ticitambudzika kwaɀo naʋana ʋaAmoni; ɀino paŋguʋa yandakakuɗanai, imi hamuna‐kundiponesa pamaʋoko aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jefuta akapindura akati, “Ini navanhu vangu takanga tiri pakutambudzika kukuru navaAmoni, uye kunyange ndakadana, imi hamuna kundiponesa kubva mumaoko avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jefuta akati kwavari, “Ini navanhu vangu takava negakava redaka chairo navaAmoni. Ndakakudaidzaika imi, asi hamuna kuzondinunura mumaoko avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jefuta akati kwavari, “Ini navanhu vangu takanga tichitambudzika kwazvo navana vaAmoni; zvino panguva yandakakudanai, imi hamuna kundiponesa pamaoko avo.
Shona 2009?
Jefuta akati kwavari, "Ini navanhu vangu takanga tichitambudzika kwazvo navana vaAmoni; zvino panguva yandakakudanai, imwi hamuna kundiponesa pamaoko avo.
Shona SUB 2002 Bible
Jefuta akati kwavari, “Ini navanhu vangu takanga tichitambudzika kwazvo navana vaAmoni; zvino panguva yandakakudanai, imi hamuna kundiponesa pamaoko avo.