Judges 12:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakati ndiciʋona kuti hamuna‐kundiponesa, handina‐kuraŋgarira ʋupenyu bgaŋgu, asi ndakapfuʋura ndikandorwa naʋana ʋaAmoni, Jehova akaʋaisa muruʋoko rwaŋgu; ɀino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pandakaona kuti hamusi kuda kubatsira, ndakaisa upenyu hwangu mumaoko angu ndikayambuka kundorwa navaAmoni, iye Jehovha akandipa kukunda pamusoro pavo. Zvino mauyireiko nhasi kuzorwa neni?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pandakaona imi musina kuzondinunura, ndakangoti chauya chauya ndotozvionera chokuita, ndikayambukira vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko angu. Zvino chamazouyira nhasi uno kuzondirwisa chii?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakati ndichiona kuti hamuna kundiponesa, handina kurangarira upenyu hwangu, asi ndakapfuura ndikandorwa navana vaAmoni, Jehovha akavaisa muruoko rwangu; zvino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni?”
Shona 2009?
Zvino ndakati ndichiona kuti hamuna kundiponesa, handina kurangarira upenyu hwangu, asi ndakapfuura ndikandorwa navana vaAmoni, Jehovha akavaisa muruoko rwangu; zvino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakati ndichiona kuti hamuna kundiponesa, handina kurangarira upenyu hwangu, asi ndakapfuura ndikandorwa navana vaAmoni, Jehovha akavaisa muruoko rwangu; zvino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni?”