Judges 12:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋaGireadi ʋakandogarira mazambuko aJoridani paiyambukira ʋaEfraimi. Ɀino kana mumŋe waʋakatiza kunaEfraimi akati: Nditenderei kuti ndiyambuke, ʋarume ʋeGireadi ndokuti kwaari: Uri muEfraimi here? Kana akati, kwete,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaGireadhi vakatora mazambuko eJorodhani aienda kuEfuremu, uye upi noupi wavakasara veEfuremu aiti akati, “Regai hangu ndiyambukire mhiri,” varume veGireadhi vaimubvunza vachiti, “Uri muEfuremu here?” Kana akapindura achiti, “Kwete,”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokuGireadhi vakandomira kumazambuko aJorodhani okuenda kwaEfuraimu. Munhu wokwaEfuraimu ainge apunyuka muhondo akati, “Ndingayambukewo here?” Vanhu vokuGireadhi vaimuti, “Uri wedzinza rokwaEfuraimu here?” Kana aipindura achiti, “Kwete.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vaGireadhi vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaEfuremu. Zvino kana mumwe wavakatiza kuna Efuremu akati, “Nditenderei kuti ndiyambuke,” varume veGireadhi ndokuti kwaari, “Uri muEfuremu here?” Kana akati, “Kwete,”
Shona 2009?
Ipapo vaGiriyadhi vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaEfuremu. Zvino kana mumwe wavakatiza kuna Efuremu akati, "Nditenderei kuti ndiyambuke," varume veGiriyadhi ndokuti kwaari, "Uri muEfuremu here?" Kana akati, "Kwete,"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vaGireadhi vakandogarira mazambuko aJodhani paiyambukira vaEfuremu. Zvino kana mumwe wavakatiza kuna Efuremu akati, “Nditenderei kuti ndiyambuke,” varume veGireadhi ndokuti kwaari, “Uri muEfuremu here?” Kana akati, “Kwete,”