Judges 12:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ipapo ʋakati kwaari: Ɀino citi: Shiboreti; iye ndokuti: Siboreti, nokusagona kureʋa kwaɀo; ipapo ʋakamuɓata, ʋakamuʋuraya pamazambuko aJoridani; neŋguʋa iyo ʋaEfraimi ʋaneɀuru ɀinamakumi manna neɀiʋiri ʋakaʋurawa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
vaiti, “Zvakanaka, iti, ‘Shibhoreti.’ ” Kana akati, “Sibhoreti” nokuda kwokuti akanga asingagoni kureva shoko iro zvakanaka, vaimubata vomuuraya pamazambuko eJorodhani. Zviuru makumi mana nezviviri zvavaEfuremu zvakaurayiwa panguva iyoyo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vaimuti iti, “Shibhoreti.” Iye aikanganisa kuritaura oti, “Sibhoreti” achitadza kuridudza, vaibva vamubata, vomuuraya pazambuko pakarepo. Zviuru makumi mana nezviviri zvekwaEfuraimu zvakaurayiwa nguva iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ipapo vakati kwaari, “Zvino chiti, ‘Shibhoreti;’ iye ndokuti, ‘Sibhoreti,’ nokusagona kureva kwazvo;” ipapo vakamubata, vakamuuraya pamazambuko aJorodhani; nenguva iyo vaEfuremu vane zviuru zvina makumi mana nezviviri vakaurawa.
Shona 2009?
ipapo vakati kwaari, "Zvino chiti, `Shibhoreti;' iye ndokuti, `Sibhoreti,' nokusagona kureva kwazvo;" ipapo vakamubata, vakamuuraya pamazambuko aJorodhani, nenguva iyo vaEfuremu vane zviuru zvina makumi mana nezviviri vakaurawa.
Shona SUB 2002 Bible
ipapo vakati kwaari, “Zvino chiti, ‘Shibhoreti;’ iye ndokuti, ‘Sibhoreti,’ nokusagona kureva kwazvo;” ipapo vakamubata, vakamuuraya pamazambuko aJodhani; nenguva iyo vaEfuremu vane zviuru zvina makumi mana nezviviri vakaurayiwa.