Judges 13:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haafaniri kudya cinhu cipi necipi cinobva pamuti womuzambiriŋga; haafaniri kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, kana kudya cinhu cisina‐kunaka; ŋgaaceŋgete ɀose ɀandakamuraira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haafaniri kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuzambiringa, uye kunwa waini ipi zvayo kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa kana kudya chinhu chipi zvacho chisina kuchena. Anofanira kuita zvose zvandakamurayira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngaarege kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuti womuvhaini. Ngaarege kunwa waini kana doro, kana kudya chinhu chakan'ora. Mudzimai iyeyu, ngaaite zvose zvandakamuudza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haafaniri kudya chinhu chipi nechipi chinobva pamuti womuzambiringa; haafaniri kunwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka; ngaachengete zvose zvandakamuraira.”
Shona 2009?
Haafaniri kudya chinhu chipi nechipi chinobva pamuti womuzambiringa; haafaniri kumwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka; ngaachengete zvose zvandakamuraira."
Shona SUB 2002 Bible
Haafaniri kudya chinhu chipi nechipi chinobva pamuti womuzambiringa; haafaniri kunwa waini, kana zvimwe zvinodhaka, kana kudya chinhu chisina kunaka; ngaachengete zvose zvandakamuraira.”