Judges 13:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mutumŋa waJehova akati kunaManoa: Kunyaŋge ukandinonosa, handiŋgadyi ciŋgwa cako; kana ukaɗa kugadzira cipiriso cinopiswa, unofanira kucipa Jehova. Nokuti Manoa wakaŋga asiŋgaziʋi kuti mutumŋa waJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa waJehovha akapindura akati, “Kunyange dai mukandibata henyu, handingadyi chokudya chenyu chipi zvacho. Asi kana muchigadzira chipiriso chinopiswa, chipei kuna Jehovha.” (Manoa haana kuziva kuti akanga ari mutumwa Jehovha.)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa waTenzi akati kuna Manoa, “Kana mukandimisa zvenyu, zvokudya zvenyu handisikuzodya. Asi kana zviri zvomupiro wokupisa, upirei kuna Tenzi.” (Manoa haana kunge aziva kuti mutumwa waTenzi.)
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mutumwa waJehovha akati kuna Manoa, “Kunyange ukandinonosa, handingadyi chingwa chako; kana ukada kugadzira chipiriso chinopiswa, unofanira kuchipa Jehovha.” Nokuti Manoa wakanga asingazivi kuti mutumwa waJehovha.
Shona 2009?
Mutumwa waJehovha akati' kuna Manowa, "Kunyange ukandinonosa, handingadyi chingwa chako; kana ukada kugadzira chipiriso chinopiswa, unofanira kuchipa Jehovha." Nokuti Manowa wakanga asingazivi kuti mutumwa waJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Mutumwa waJehovha akati kuna Manoa, “Kunyangwe ukandinonosa, handingadyi chingwa chako; kana ukada kugadzira chipiriso chinopiswa, unofanira kuchipa Jehovha.” Nokuti Manoa wakanga asingazivi kuti mutumwa waJehovha.