Judges 13:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi mutumŋa waJehova haana‐kuzoɀiratidza ɀe kunaManoa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manoa akaziʋa kuti mutumŋa waJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manoa nomukadzi wake ipapo, Manoa akaziva kuti akanga ari mutumwa waJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa waTenzi haana kuzozviratidzazve kuna Manoa nomudzimai wake. Ndipo pakabva paziva Manoa kuti mutumwa waTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manoa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manoa akaziva kuti mutumwa waJehovha.
Shona 2009?
Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manowa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manowa akaziva kuti mutumwa waJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manoa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manoa akaziva kuti mutumwa waJehovha.