Judges 13:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukadzi akapona mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samsoni; mŋana akakura, Jehova akamuropafadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi akasununguka mwanakomana uye akamutumidza zita rokuti Samusoni. Akakura uye Jehovha akamuropafadza,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzimai wake akabereka mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Samusoni. Mukomana uyu akakura, Tenzi akamukomborera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukadzi akapona mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samusoni; mwana akakura, Jehovha akamuropafadza.
Shona 2009?
Zvino mukadzi akapona mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samusoni; mwana akakura, Jehovha akamuropafadza.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukadzi akapona mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samusoni; mwana akakura, Jehovha akamuropafadza.