Judges 13:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mutumŋa waJehova akaɀiratidza kumukadzi uyu, akati kwaari: Tarira ɀino, iwe hauɓereki, haunomŋana; asi ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari uye akati, “Iwe haubereki uye hauna mwana, asi uchava nemimba uye ugova nomwanakomana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari akati, “Chinzwa, iwe hauna mbereko, hauna mwana, asi uchazova napamuviri, ugobereka mwana mukomana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mutumwa waJehovha akazviratidza kumukadzi uyu, akati kwaari, “Tarira zvino, iwe haubereki, hauno mwana; asi uchava nemimba, nokubereka mwanakomana.
Shona 2009?
Mutumwa waJehovha akazviratidza kumukadzi uyu, akati kwaari, "Tarira zvino, iwe haubereki, hauno mwana; asi uchava nemimba, nokubereka mwanakomana.
Shona SUB 2002 Bible
Mutumwa waJehovha akazviratidza kumukadzi uyu, akati kwaari, “Tarira zvino, iwe haubereki, hauno mwana; asi uchava nemimba, nokubereka mwanakomana.