Judges 13:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Manoa akakumbira kunaJehova, akati: Jehova, ndinokumbira kuti munhu waMŋari wamakatuma, aʋuye ɀe kwatiri, atidzidzise ɀatinofanira kuitira mŋana ucazoɀarwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Manoa akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, ndinokukumbirai, regai munhu waMwari wamakatuma kwatiri adzokezve kuti azotidzidzisa kurera kwatingaita mukomana achazozvarwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Manoa akanamata kuna Tenzi achiti, “Tenzi wangu, ndinokumbira kuti munhu waMwari uya wamatuma auyezve kwatiri, atidzidzise marerero atinofanira kuita mukomana iyeyo achaberekwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Manoa akakumbira kuna Jehovha, akati, “Jehovha, ndinokumbira kuti munhu waMwari wamakatuma, auyezve kwatiri, atidzidzise zvatinofanira kuitira mwana uchazozvarwa.”
Shona 2009?
Ipapo Manowa akakumbira kuna Jehovha, akati, "Jehovha, ndinokumbira kuti munhu waMwari wamakatuma, auyezve kwatiri, atidzidzise zvatinofanira kuitira mwana uchazozvarwa."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Manoa akakumbira kuna Jehovha, akati, “Jehovha, ndinokumbira kuti munhu waMwari wamakatuma, auyezve kwatiri, atidzidzise zvatinofanira kuitira mwana uchazozvarwa.”