Judges 14:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Samsoni akati kwaʋari: Ndikutaurirei cirabge ɀino; kana mukagona kundiɗudzira ico pamazuʋa manomŋe omutambo, mukawana ɗudziro yaco, ini ndicakupai ŋguʋo dzomuceka dzinamakumi matatu, nehanzu dzakanaka dzinamakumi matatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Samusoni akati kwavari, “Regai ndikutaurirei chirahwe. Kana mukagona kuchidudzira mukati mamazuva manomwe omutambo, ini ndichakupai nguo dzomucheka dzinosvika makumi matatu nehanzu makumi matatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samusoni akati kwavari, “Regai ndikuitirei chirahwe changu, kana mukagona kundiudza zvachinoreva mumazuva manomwe aya amabiko, mukachidudzira, ini ndichakupai makumi matatu epesa dzamachira erineni namakumiwo matatu ehanzu dzapamabiko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Samusoni akati kwavari, “Nditaurirei chirabwe zvino; kana mukagona kundidudzira icho pamazuva manomwe omutambo, mukawana dudziro yacho, ini ndichakupai nguo dzomucheka dzina makumi matatu nehanzu dzakanaka dzina makumi matatu.
Shona 2009?
Samusoni akati kwavari, "Nditaurirei chirabwe zvino; kana mukagona kundidudzira icho pamazuva manomwe omutambo, mukawana dudziro yacho, ini ndichakupai nguvo dzomucheka dzina makumi matatu nehanzu dzakanaka dzina makumi matatu.
Shona SUB 2002 Bible
Samusoni akati kwavari, “Nditaurirei chirabwe zvino; kana mukagona kundidudzira icho pamazuva manomwe omutambo, mukawana dudziro yacho, ini ndichakupai nguo dzomucheka dzina makumi matatu nehanzu dzakanaka dzina makumi matatu.