Judges 14:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mukadzi waSamsoni wakacema kumurume wake, akati: Unondiʋeŋga hako, haundiɗi; wakataurira ʋana ʋaʋanhu ʋangu cirabge, asi hauna‐kundiʋudza ico ini. Akati kwaari: Tarira, handina‐kuciʋudza ɓaɓa ʋaŋgu kana mai ʋaŋgu; ɀino ndiŋgakuʋudza ico iwe here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mukadzi waSamusoni akazviwisira paari, achichema akati, “Unondivenga iwe! Haundidi chaizvo izvo. Wakapa vanhu vokwangu chirahwe, asi hauna kundiudza dudziro yacho.” Akati, “Handina kutongochitsanangurira baba vangu kana mai vangu, saka ndingachitsanangura seiko kwauri?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukadzi waSamusoni akamuchemera achiti, “Unondivenga chete, haundidi. Wakaitira chirahwe vanhu vorudzi rwangu, asi hauna kundiudza zvachinoreva.” Samusoni ndokuti, “Chinzwaka! Baba wangu naamai vangu, handina kumbovataurira! Chandingazoudzirawo iwewe chii?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mukadzi waSamusoni wakachema kumurume wake, akati, “Unondivenga hako, haundidi; wakataurira vana vavanhu vangu chirabwe, asi hauna kundiudza icho ini.” Akati kwaari, “Tarira, handina kuchiudza baba vangu kana mai vangu; zvino ndingakuudza icho iwe here?”
Shona 2009?
Ipapo mukadzi waSamusoni wakachema kumurume wake, akati, "Unondivenga hako, haundidi; wakataurira vana vavanhu vangu chirabwe, asi hauna kundiudza icho ini." Akati kwaari, "Tarira, handina kuchiudza baba vangu kana mai vangu; zvino ndingakuudza icho iwe here?"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mukadzi waSamusoni wakachema kumurume wake, akati, “Unondivenga hako, haundidi; wakataurira vana vavanhu vangu chirabwe, asi hauna kundiudza icho ini.” Akati kwaari, “Tarira, handina kuchiudza baba vangu kana mai vangu; zvino ndingakuudza icho iwe here?”